Judges 2

Mutumwa waJehovha paBhokimi

1Mutumwa waJehovha akakwidza achibva kuGirigari akaenda kuBhokimi akati, “Ndakakubudisai kubva muIjipiti uye ndikakutungamirirai munyika yandakapikira madzitateguru enyu. Ndakati, ‘Handichazomboputsi sungano yangu nemi, 2uye imi musazoita sungano navanhu venyika ino, asi munofanira kuputsa aritari dzavo.’ Asi hamuna kunditeerera. Makaitireiko izvozvo? 3Naizvozvo zvino ndinokuudzai kuti handichazovadzingi pamberi penyu, vachava minzwa kumativi enyu uye vamwe vavo vachava musungo kwamuri.”

4Mutumwa waJehovha akati ataura zvinhu izvi kuvaIsraeri vose, vanhu vakachema kwazvo, 5uye vakatumidza nzvimbo iyo kuti Bhokimi. Ipapo, vakabayira zvipiriso kuna Jehovha.

Kusateerera noKukundwa

6Shure kwokunge Joshua ati vaIsraeri vaende, vakaenda vakandotora nyika, mumwe nomumwe kunhaka yake. 7Vanhu vakashumira mazuva ose okurarama kwaJoshua uye napamazuva avakuru vakasara vari vapenyu uye vakanga vaona zvinhu zvikuru zvose zvakanga zvaitirwa Israeri naJehovha.

8Joshua mwanakomana waNuni, muranda waJehovha, akafa ava namakore zana negumi rimwe chete. 9Uye vakamuviga munyika yenhaka yake, paTiminati Heresi munyika yezvikomo yeEfuremu, kumusoro kweGomo reGaashi.

10Mushure mokunge chizvarwa chake chose chasanganiswa namadzibaba acho, chimwe chizvarwa chakanga chisingazivi Jehovha kana zvaakanga aitira Israeri chakamuka. 11Ipapo vaIsraeri vakaita zvakaipa pamberi paJehovha uye vakashumira vanaBhaari. 12Vakarasa Jehovha, Mwari wamadzibaba avo, akanga avabudisa kubva muIjipiti. Vakatevera uye vakanamata vamwari vakasiyana-siyana vendudzi dzakanga dzakavapoteredza. Vakatsamwisa Jehovha, 13nokuti vakamurasa uye vakashumira Bhaari navaAshitoreti. 14Mukutsamwira kwake vaIsraeri, Jehovha akavaisa mumaoko avapambi avo vakazovapamba. Akavatengesa kuvavengi vavo vakanga vakavapoteredza, avo vavakanga vasisagoni kudzivisa. 15Pose paienda Israeri kundorwa, ruoko rwaJehovha rwairwa navo kuti ruvakunde, sezvaakanga apika kwavari. Vakanga vari munhamo huru.

16Ipapo Jehovha akavamutsira vatongi vakavaponesa kubva mumaoko avapambi ava. 17Kunyange zvakadaro havana kuzoteerera kuvatongi vavo asi vakaita ufeve navamwe vamwari uye vakavanamata. Havana kuita samadzibaba avo, nokuti vakakurumidza kutsauka munzira yaifamba madzibaba avo, nzira yokuteerera kumirayiro yaJehovha. 18Pose pavaimutsirwa mutongi naJehovha, iye aiva nomutongi uyo, uye aivaponesa kubva mumaoko avavengi vavo, mutongi paainge achiri mupenyu; nokuti Jehovha ainge avanzwira ngoni pavaigomera vari pasi pavaya vaivadzvinyirira uye vachivarwadzisa. 19Asi mutongi paainge afa, vanhu vaidzokera kunzira dzakaipisisa kupinda dziya dzamadzibaba avo, vachitevera vamwe vamwari, vachivashandira uye vachivanamata. Vakaramba kusiya mabasa avo akaipa nokusindimara kwemwoyo yavo.

20Naizvozvo Jehovha akavatsamwira zvikuru akati, “Nemhaka yokuti rudzi urwu rwakaputsa sungano yangu yandakaita namadzitateguru avo uye vakasanditeerera, 21handichadzingizve pamberi pavo rudzi rupi zvarwo rwedzimwe ndudzi dzakasiyiwa naJoshua pakufa kwake. 22Ndichavashandisa kuti vaedze vaIsraeri, kuti ndione kuti vachachengeta here nzira yaJehovha vagofamba mairi sezvakaitwa namadzitateguru avo.” 23Jehovha akatendera ndudzi idzo kuti dzisare; haana kudzidzinga pakarepo uye haana kudziisa mumaoko aJoshua.

Copyright information for SnaBDSC